Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva. Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa. Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo. Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro. Zvino kana isu pakutsvaka kwekururamiswa muna Kristu, tikawanikwa tiri vatadziwo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva! Nokuti kana ndikavakazve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki. Nokuti nomurayiro ini ndakafa kumurayiro, kuti ndirarame kuna Mwari.
Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu. Handikonesi nyasha dzaMwari; nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurayiro, Kristu akafa pasina.