Ezekieri 40
40
Temberi itsva
1Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
2Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi. 3Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi rwerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuo.
4Murume uyo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.”
5Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe. 6Zvino wakasvika pasuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe. 7Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuo pabiravira resuo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe. 8Akayerawo biravira resuo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe. 9Ipapo akayera biravira resuo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuo rakanga riri kurutivi rweimba. 10Makamuri esuo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
11Akayera upamhi hwomukova hwesuo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuo, mamita ane gumi namatatu. 12Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri. 13Akayera suo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova. 14Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suo kusvikira pambiru. 15Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
16Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
17Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa. 18Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuo, rakaenzana pakureba kwaro namasuo, iro guva rakarongwa rapasi.
19Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
20Wakayerawo kureba nohupamhi hwesuo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro. 21Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu. 22Mahwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro. 23Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
24Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo. 25Mahwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu. 26Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri. 27Kwakanga kune suo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
28Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuo rezasi; akayera suo rezasi nezviyero izvozvi; 29namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
30Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi. 31Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine kwiriso zvisere.
32Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suo nezviyero izvozvi; 33namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi. 34Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
35Zvino wakandiisa kusuo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi; 36makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
37Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
38Pambiru pamasuo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa. 39Mubiravira resuo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
40Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuo, kwakanga kuna matafura maviri. 41Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuo, matafura masere paibayirwa zvibayiro. 42Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. 43Zvikokooni, zvakanga zvakaita soupamhi hwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
44Kunze kwesuo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro. 45Zvino akati kwandiri, “Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapristi, ivo vachengeti vebasa reimba; 46kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapristi, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevhi, vachiswedera kuna Jehovha kuzomushumira.”
47Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
48Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi hwesuo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri. 49Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 40: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002