Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 39

39
1Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro paGogi, uti, zvanzi naIshe Jehovha, “Tarira, ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi, naMesheki naTubhari; 2ndichakutsausa, nokukutungamirira, nokukuuyisa uchibva kumativi okumusorosoro; ndichakusvitsa pamakomo aIsiraeri; 3ndicharova uta hwako hubve muruoko rwako rworuboshwe, nokuwisira pasi miseve yako iri muruoko rwako rworudyi. 4Uchaparadzwa pamakomo aIsiraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo. 5Uchawira pakachena pabani; nokuti ini ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 6Ndichatuma moto kuna Magogi, nokuna vagere zvakanaka pazvivi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. 7Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsiraeri; handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha, iye Mutsvene waIsiraeri.”
8“Tarirai, zvinouya, zvichaitwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndiro zuva randareva. 9Vagere mumaguta aIsiraeri vachabuda, vachavesa moto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, zvinoti nhoo duku nenhoo huru, nouta nemiseve, netsvimbo namapfumo; vachavesa moto nazvo vachiita makore manomwe; 10naizvozvo havangandotori huni kusango, kana kundodzitema kumatondo, nokuti vachavesa moto nenhumbi dzokurwa; vachaparadza vaivaparadza, nokupamba vaivapamba,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11“Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, ‘Hamonigogi.’ 12Imba yaIsiraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika. 13Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga; ichava mbiri kwavari nezuva randichakudzwa naro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 14Vachatsaura vanhu vanobata basa misi yose, vachapota nenyika pamwechete navanopfuura napo, vachiviga vakasiyiwa pachena, kuti vanatse nyika; kana mwedzi minomwe yapera vachacherekedza pose. 15Vanopfuura napanyika vachapfuura havo; zvino ani naani kana achinge achiona pfupa romunhu, achaisapo chiratidzo, kusvikira vavigi vachiriviga mumupata waHamonigogi. 16Hamoni richava zitawo reguta. Saizvozvo vachanatsa nyika.”
17Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, “Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, ‘Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.’
18“Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani. 19Muchadya zvakakora kusvikira maguta, nokunwa ropa kusvikira mabatwa, zvechibayiro chandakakubayirai.
20“Muchaguta patafura rangu namabhiza nengoro, navanhu vane simba, navarwi vamarudzi ose,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21“Ndichaisa mbiri yangu pakati pamarudzi avanhu, marudzi ose achaona kutonga kwandakaita, noruoko rwangu rwandakaisa pamusoro pavo. 22Naizvozvo imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi. 23Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nokuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo. 24Ndakavaitira zvakafanira kusanaka kwavo nokudarika kwavo, ndikavavanzira chiso changu.”
25Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakobho, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.
26“Vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo neyokudarika kwavo kwavakandidarikira nako, kana vachizogara zvakanaka munyika yavo, kusina anozovatyisa; 27kana ndavadzosa kumarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzavavengi vavo, ndikazviita mutsvene pamberi pamarudzi mazhinji.
28“Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, zvandakavatapisa pakati pamarudzi, ndikavaunganidzirazve munyika yavo; handingatongozosiyi mumwe wavopo; 29uye handingazovavanziri chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 39: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda