Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 31

31
VaIjipiti vachaita savaAsiria
1Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wechitatu, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti, nokuvanhu vake vazhinji, ‘Iwe wakafanana nani paukuru hwako?’
3“Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowendo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore. 4Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasi-pasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaierera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango. 5Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo. 6Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo.
7“Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji. 8Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo. 9Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora.
10“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvawakakura zvikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, mwoyo wake ukazvikudza nokuda kwokureba kwake, 11ndichamuisa muruoko rwoune simba pakati pamarudzi avanhu, iye achamuitira zvawakafanira; ndakamudzinga nokuda kwezvakaipa zvake.’ 12Vatorwa, ivo vanotyisa pakati pamarudzi, vakamutema vakamurega, matavi ake akawira pamusoro pamakomo nomumipata yose, matavi ake akavhunikira pahova dzose dzenyika; vanhu vose venyika vabva pamumvuri wake, vakamusiya. 13Shiri dzose dzekudenga dzichagara padanda rake rakawa, mhuka dzose dzesango dzichava pamatavi ake; 14kuti miti yose iri pamvura irege kuzvikudza nokureba kwayo, kana kusvitsa misoro yayo mumakore, neine simba pakati payo irege kumira ichizvikudza iyo miti yose inonwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunzvimbo dzapasi dzenyika, pakati pavana vavanhu, pamwechete navanoburukira kugomba.”
15Zvanzi naIshe Jehovha, “Nezuva raakaburukira kuSheori, ndakarayira kuti vanhu vacheme; ndakafukidza pakadzika nokuda kwake, ndikadzora nzizi dzapo, mvura zhinji ikamiswa; ndakarayira Rebhanoni kumuchema, miti yose yokusango ikati rukutu nokuda kwake. 16Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inonwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika. 17Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
18“Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 31: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda