Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 30

30
1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!’ 3Nokuti zuva rava pedyo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu. 4Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa paIjipiti; vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
5“Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.”
6Zvanzi naJehovha, “Naivo vanotsigira Ijipiti vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene. 7Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo. 8Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto paIjipiti, vabatsiri vayo vose vaparadzwa.
9“Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reIjipiti; nokuti, tarirai, zvinouya.”
10Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndichagumisawo vanhu vazhinji veIjipiti noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
11“Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Ijipiti minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa. 12Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.”
13Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeIjipiti; ndichaisa kutya panyika yeIjipiti. 14Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo. 15Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeIjipiti; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.
16“Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati. 17Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa. 18PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko eIjipiti, kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa. 19Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro peIjipiti; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”
20Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 21“Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo weIjipiti; zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, rupomberwe mucheka, kuti ruve nesimba rokubata munondo. 22Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weIjipiti, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake. 23Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose. 24Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa. 25Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika yeIjipiti. 26Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 30: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda