Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 24:1-18

Ekisodho 24:1-18 SNA2002

Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure; Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.” Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. Zvino akatuma majaya avana vaIsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa. Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paatari. Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.” Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, “Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.” Zvino Mosesi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri vakakwira. Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko. Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.” Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari, akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.” Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore. Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.

Verenga chikamu Ekisodho 24