Ekisodho 24:1-18
Ekisodho 24:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe, asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.” Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.” Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha. Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri. Ipapo akatuma majaya avaIsraeri, uye vakapa zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira hando duku sezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha. Mozisi akatora hafu yeropa akariisa mumidziyo, uye imwe hafu akaisasa paaritari. Ipapo akatora Bhuku reSungano akariverengera vanhu. Ivo vakati, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha; tichazviteerera.” Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.” Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafire, chakanga chichionekwa sedenga pacharo. Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa. Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.” Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.” Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
Ekisodho 24:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure; Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.” Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. Zvino akatuma majaya avana vaIsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa. Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paatari. Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.” Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, “Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.” Zvino Mosesi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri vakakwira. Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko. Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.” Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari, akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.” Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore. Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
Ekisodho 24:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora Aroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru makumi manomwe vevaIsiraeri, mukwire muno mugomo mandiri. Musati masvika pandiri pfugamai mundiremekedze. Iwe Mosesi ndiwe woga uchasvika pedyo neni Tenzi, asi vamwe ngavarege kuswedera pedyo, vamwe vanhu ngavarege kukwira muno newe.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri zvose zvakarehwa naTenzi nemirao yose. Vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Tichaita zvose zvataurwa naTenzi.” Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri. Ipapo Mosesi akatuma mamwe majaya echiIsiraeri, akandopira zvibayiro zvokupisa, akapirawo zvibayiro zvemipiro yokuwadzana zvemombe kuna Tenzi. Mosesi akatora rimwe ropa rezvibayiro ndokuriisa mumidziyo. Rimwe racho akasasa naro atari. Akazotora bhuku rechitenderano akariverenga vanhu vachinzwa. Vanhu vakati, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita, tichava vanhu vanoteerera.” Mosesi akatora ropa riya ndokurisasa pavanhu, achiti, “Ropa iri, nderechitenderano chaTenzi chaaita nemi maererano nemirao yaakupai.” Mosesi naAroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru vevaIsiraeri makumi manomwe vakakwiramo, vakaona Mwari weIsiraeri. Pasi petsoka dzake painge pane ruware rwakaita samabwe anokosha esafaya, rwakati ngwerewere sokunze sezvakangoita mudenga'mu. Asi haana kuparadza vakuru vakuru vevaIsiraeri ivavo. Vakaona Mwari, kudya vakadya, kunwa vakatonwawo zvavo. Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.” Mosesi naJoshuwa, mubatsiri wake, vakasimuka. Mosesi akakwira mugomo raMwari. Akasiya audza vatungamiriri vaya kuti, “Imi imbotimirirai pano, kudzamara tadzoka kuno kwamuri. Zvavapo ndezvizvi, Aroni naHuri ndivo vamuchasara navo. Anenge ane chanyanya kunetsa ngaaende kundoona ivava.” Mosesi akakwira mugomo, gore ndokubva rati gude gude kufukidza gomo iroro. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakauya pagomo reSinai, gore rikafukidza gomo iroro kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, iye ari mukati megore akadaidzira kuna Mosesi. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri. Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana.
Ekisodho 24:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iye wakati kunaMosesi: Kwira kunaJehova, iwe naAroni, naNadabi naAbihu, naʋakuru anamakumi manomŋe ʋaʋaIsraeri, mufugame muri kure; Mosesi ŋgaasweɗere pedyo naJehova, asi iʋo ŋgaʋarege kusweɗera pedyo, naʋanhu ŋgaʋarege kukwira naye. Ɀino Mosesi akaʋuya akaʋudza ʋanhu mashoko ose aJehova, neɀaakaŋga atema ɀose, ʋanhu ʋakapindura nenzwi rimŋe, ʋakati: Mashoko ose akarebga naJehova ticaaita. Mosesi akanyora mashoko ose aJehova, akamuka maŋgwanani, akandoʋaka artari pasi pegomo, akamisa shoŋgwe dzinegumi nembiri, ɀakafanana namarudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Ɀino akatuma majaya aʋana ʋaIsraeri ʋakapisira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, nokumuɓayira ɀipiriso ɀenzombe ɀokuyananisa. Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imŋe hafu akasasa paartari. Akatora buku yesuŋgano akaraʋa ʋanhu ʋaciɀinzwa; iʋo ʋakati: Ɀose ɀarebga naJehova ticaɀiita, ticaterera. Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamsoro paʋanhu, akati: Tarirai ropa resuŋgano yakaitwa naJehova nem pamsoro pamashoko iwaya ose. Ɀino Mosesi, naAroni, naNadabi, naAbihu, naʋakuru ʋanamakumi manomŋe ʋaʋaIsraeri ʋakakwira. Ʋakaʋona Mŋari waʋaIsraeri; pasi petsoka dzake pakaŋga pakaita samabge esafiri, ɀaiʋonekera sokuɗeŋga caiko. Asi haana‐kutambanudzira ruʋoko rwake kuʋakuru iʋaʋo ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakaʋona Mŋari, ʋakadya, ʋakanwa. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Kwira kwandiri muno mugomo, ugare’po; ndicakupa mahwendefa amabge anomurairo nomurau wandanyora, kuti uʋadzidzise. Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMŋari, akati kuʋakuru: Timirirei pano, kuȿikira ticidzokera ɀe kwamuri; tarirai Aroni naHuri ʋanemi; aninani unemhaka ŋgaaende kwaʋari. Ɀino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. Kubginya kwaJehova kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuʋa matanhatu; nezuʋa recinomŋe wakaɗana Mosesi ari mukati megore. Kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋana ʋaIsraeri kwakaita somŋoto unopisa kwaɀo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna.
Ekisodho 24:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)