Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi. Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka, kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.
Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake. Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.
Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva. Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa. Kana achinge atarirwa rudzikinuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikinure upenyu hwake. Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu. Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo, muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.
Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana. Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.