Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 21:22-36

Ekisodho 21:22-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka, kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namabwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa. Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana. Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatu kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe. “Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri, muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake. “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo. Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:22-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi. Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka, kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa. Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake. Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake. Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva. Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa. Kana achinge atarirwa rudzikinuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikinure upenyu hwake. Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu. Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe. Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo, muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake. Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana. Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Ngatiti varume vorwisana, vokuvadza mukadzi anenge akazvitakura obva abva pamuviri, asi osara asina kukuvadzwa zvakanyanya; murume anenge amukuvadza ngaaripiswe zvinenge zvarehwa nomurume womukadzi iyeyu, zviri zvinhu zvinobvumwawo nedare. Asi kana mukadzi uyu achinge akuvadzwa, murume amukuvadza ngaarangwe sezvinoreva mutemo unoti, upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ritsiviwewo nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo, apisa mumwe ngaapiswewo, akuvadza mumwe ngaakuvadzwewo, arova mumwe ngaarohwewo. “Kana munhu akarova ziso romuranda wake, wechirume kana wechikadzi akaritushura, ngaasunungure muranda wacho aende zvake pamusana peziso rake. Kana munhu akarova zino romuranda wake, wechirume kana wechikadzi, zino racho rikaguka, ngaasunungure muranda iyeyo pamusana pezino rake. “Kana mombe ikatunga munhu, murume kana mukadzi, akafa, mombe yacho ngaitemwe namabwe. Nyama yayo ngairege kudyiwa. Asi muridzi wayo ngaarege kupiwa mhosva. Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo. Asi kana muridzi wemombe iyoyo akanzi aripe, ngaaripe zvose zvinotemwa nedare kuti iye agorega kuurayiwa. Kunyange mombe ikatunga mwana mukomana kana musikana ikamuuraya, mutongero wacho mumwechetewo. Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife. “Kana munhu akasiya zvake mugodhi usina kukwidibirwa, kana kuti ochera mugodhi osiya usina kukwidibirwa, mombe kana dhongi rowira imomo, muridzi womugodhi ngaaripiswe. Ngaape mari kumuridzi wechipfuwo chafa, iye achitore chive chake. Kana mombe yomunhu ikatunga mombe yomumwe ikafa ngavatengese mombe yatunga imwe vagoverane mutengo wacho. Ngavagovanewo nyama yemombe yafa iya. Kana mombe yacho yanga iinomusambo wokutunga dzimwe, muridzi wayo akasaichengeta, muridzi wayo ngaabvise mombe chaiyo inotsika yokuripa inenge yaurayiwa. Asi mombe inenge yafa yacho ichava yanyakuripa mombe uya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:22-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kana ʋarume ʋakarwa, ʋakakuʋadza mukadzi unemimba, akashaya, asi asina‐kukuʋadzwa hake ɀikuru, iye unofanira kuripiswa seɀaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; unofanira kuripa seɀinotarwa naʋatoŋgi. Asi kana aciŋge akuʋadzwa kwaɀo, iye unofanira kutsiʋa ʋupenyu noʋupenyu ʋo, ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka, kutȿa nokutȿa, ʋaŋga neʋaŋga, kukuʋadzwa nokukuʋadzwa. Kana munhu akaroʋa ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariʋuraya, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kweziso rake. Kana akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kwezino rake. Kana nzombe ikatuŋga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyo inofanira kutakwa namabge, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haaŋgaʋi nemhoȿa. Asi kana nzombe yaisituŋga kare, muridzi wayo akaʋudzwa iɀoɀo, akasaiceŋgeta, ikaʋuraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabge, naiye muridzi wayo unofanira kuʋurawa. Kana aciŋge atarirwa rudzikinuro, unofanira kuripa ɀose ɀaatarirwa, kuti adzikinure ʋupenyu bgake. Kunyaŋge ikatuŋga mŋanakomana kana mŋanasikana ʋanofanira kumuitira nomurairo uyu. Kana nzombe ikatuŋga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo unofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu, ʋuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabge. Kana munhu akadziʋura gomba, ʋuye kana munhu akacera gomba, akasaridziʋira, nzombe kana mboŋgoro ikawira’mo, muridzi wegomba unofanira kuripa, unofanira kuɓuɗisira muridzi wayo mari, asi cipfuwo cakafa cicaʋa cake Kana nzombe yomumŋe munhu ikatuŋga yomumŋe, ikafa, ʋanofanira kuteŋgesa nzombe mhenyu, ʋagoʋane muteŋgo wayo, naiyo yakafa ʋanofanira kuigoʋana. Kana ʋaiziʋa kare kuti nzombe iyo inotuŋga, muridzi wayo akasaiceŋgeta, ɀirokwaɀo, unofanira ku ripa, nzombe nenzombe, asi yakafa icaʋa yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)