Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 5:8-20

VaEfeso 5:8-20 SNA2002

nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu

Verenga chikamu VaEfeso 5