VaEfeso 5:8-20
VaEfeso 5:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.” Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
VaEfeso 5:8-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu
VaEfeso 5:8-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza. Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara. Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano. Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya. Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose.
VaEfeso 5:8-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera. Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera; muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa. Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu; muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu
VaEfeso 5:8-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)