Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 2:1-16

Muparidzi 2:1-16 SNA2002

Ndakati mumwoyo mangu, uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo. Kana kuri kuseka, ndakati, “Upengo!” Kana uri mufaro, ndakati, “Unobatsireiko?” Ndakanzvera mwoyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, mwoyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo. Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemidzambiringa; ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose; ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti; ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine pfuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nepfuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vazhinji. Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni. Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose. Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva. Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa. Ipapo ndakaona kuti, “Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima;” kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete. Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?

Verenga chikamu Muparidzi 2