Muparidzi 2:1-16
Muparidzi 2:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo. Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?” Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo. Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa. Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose. Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura. Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema. Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji. Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni. Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva. Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, urema uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare? Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete. Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!
Muparidzi 2:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakati mumwoyo mangu, uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo. Kana kuri kuseka, ndakati, “Upengo!” Kana uri mufaro, ndakati, “Unobatsireiko?” Ndakanzvera mwoyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, mwoyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo. Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemidzambiringa; ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose; ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti; ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine pfuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nepfuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vazhinji. Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni. Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose. Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva. Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa. Ipapo ndakaona kuti, “Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima;” kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete. Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?
Muparidzi 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakafunga mumwoyo kuti regai ndimboonawo kuti kuzvifadza kwakaitawosei ndinyatsombosasana zvangu. Ndakaonawo izvozviwo zviri zvisinganzwisisiki. Ndakati kuseka kupenga chaiko uye kuzvifadza hakuna chimuko. Ndakati regai ndimbotsvaka zvokuzvifadza muviri wangu newaini asi mumwoyo mangu ndichitungamirirwa noungwaru kuti ndinyatsonzwisisa kuti chii chinonzi upenzi kuitira kuti ndione kuti ndezvipi zvakanakira vanhu kuti vaite pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwavo. Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi. Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo. Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura. Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo. Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume. Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu. Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose. Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga. Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya yezvoungwaru, noupenzi noutununu nokuti munhu anotsiva mambo chiiwo chaangaite kusiya zvanga zvichiitwa namambo? Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima. Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete. Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.” Nokuti zvakangoita mungwaru ndizvozvowo zvine benzi zvokurangarirwa nokusingaperi hapana. Samaziviro atinoita, mumazuva ari kuuya, vanenge vatokanganwika kare. Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!
Muparidzi 2:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakati mumŋoyo maŋgu: Ʋuya hako, ndicakuidza nomufaro; cifarira ɀinhu ɀakanaka! Asi tarira, naiɀoɀo ʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo. Kana kuri kuseka, ndakati: Ʋupeŋgo! Kana uri mufaro, ndakati: Unoɓatsireiko? Ndakanɀera mŋoyo waŋgu, ndiʋone kuti ndiŋgafadza nyama yaŋgu sei newaini, mŋoyo waŋgu ucindifambisa hawo noʋucenjeri, ʋuye kuti ndiŋgaramba ndakaɓata ʋupenzi, kuȿikira ndaʋona kuti ɀakanaka ndeɀipi ɀiŋgaitwa naʋanakomana ʋaʋanhu pasi peɗeŋga mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo. Ndakaɀiitira maɓasa makuru; ndakaɀiʋakira dzimba; ndakaɀirimira minda yemizambiriŋga; ndakaɀiitira minda neminda yemiti, ndikasima’mo miti inoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi ose; ndakaɀiitira madziʋa emvura, kuti ndiɗiridze matondo pakaŋga pasimŋa miti; ndakateŋga ʋaranda naʋarandakadzi, ndikaʋa naʋaranda ʋakaɓerekerwa mumba maŋgu; ndakaŋga ndinefuma zhinji yeŋombe namakwai, kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ndakaɀiʋuŋganidzira ʋo sirveri nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakaɀitȿakira ʋaimbi ʋarume naʋakadzi, neɀinofadza ɀaʋanakomana ʋaʋanhu, naʋaroŋgo ʋazhinji. Saiɀoɀo ndakaŋga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndicikura kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ʋuye ʋucenjeri bgaŋgu bgakagara neni. Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose. Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa. Ɀino ndakatendeʋuka kuti ndicerekedze ʋucenjeri, noʋupeŋgo, noʋupenzi, nokuti cinyi ciŋgaitwa nomunhu unoteʋera mambo? Iɀoɀo ɀakaŋguʋa ɀaitwa. Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima. Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete. Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo. Nokuti munhu wakacenjera wakafanana neɓenzi pakusaraŋgarirwa nokusiŋgaperi; nokuti ɀinozokaŋganikwa ɀose pamazuʋa anoʋuya. Wakacenjera haazinofa seɓenzi here?
Muparidzi 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)