Ndakati mumŋoyo maŋgu: Ʋuya hako, ndicakuidza nomufaro; cifarira ɀinhu ɀakanaka! Asi tarira, naiɀoɀo ʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo. Kana kuri kuseka, ndakati: Ʋupeŋgo! Kana uri mufaro, ndakati: Unoɓatsireiko? Ndakanɀera mŋoyo waŋgu, ndiʋone kuti ndiŋgafadza nyama yaŋgu sei newaini, mŋoyo waŋgu ucindifambisa hawo noʋucenjeri, ʋuye kuti ndiŋgaramba ndakaɓata ʋupenzi, kuȿikira ndaʋona kuti ɀakanaka ndeɀipi ɀiŋgaitwa naʋanakomana ʋaʋanhu pasi peɗeŋga mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo. Ndakaɀiitira maɓasa makuru; ndakaɀiʋakira dzimba; ndakaɀirimira minda yemizambiriŋga; ndakaɀiitira minda neminda yemiti, ndikasima’mo miti inoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi ose; ndakaɀiitira madziʋa emvura, kuti ndiɗiridze matondo pakaŋga pasimŋa miti; ndakateŋga ʋaranda naʋarandakadzi, ndikaʋa naʋaranda ʋakaɓerekerwa mumba maŋgu; ndakaŋga ndinefuma zhinji yeŋombe namakwai, kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ndakaɀiʋuŋganidzira ʋo sirveri nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakaɀitȿakira ʋaimbi ʋarume naʋakadzi, neɀinofadza ɀaʋanakomana ʋaʋanhu, naʋaroŋgo ʋazhinji. Saiɀoɀo ndakaŋga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndicikura kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ʋuye ʋucenjeri bgaŋgu bgakagara neni. Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose. Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
Ɀino ndakatendeʋuka kuti ndicerekedze ʋucenjeri, noʋupeŋgo, noʋupenzi, nokuti cinyi ciŋgaitwa nomunhu unoteʋera mambo? Iɀoɀo ɀakaŋguʋa ɀaitwa. Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima. Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete. Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo. Nokuti munhu wakacenjera wakafanana neɓenzi pakusaraŋgarirwa nokusiŋgaperi; nokuti ɀinozokaŋganikwa ɀose pamazuʋa anoʋuya. Wakacenjera haazinofa seɓenzi here?