Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 12:1-14

Muparidzi 12:1-14 SNA2002

Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura; zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamawindo vasvibirwa; mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nezwi rokukuya richidedera; kana achimuka nezwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka. Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha; rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu, guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa. Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!” Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi. Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa; akapiwa noMufudzi mumwechete. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri. Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”