Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 12:1-14

Muparidzi 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Yeuka musiki wako uchiri muduku, mazuva akaipa asati asvika, mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;” zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi zvisati zvasviba makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura; pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya majaya akasimba okombama, vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima; makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa ruzha rwezvigayo rwavakuderera, munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga panguva yakunenge kuimba kwaderera, kukwira mukwidza kwavakutyisa kufamba chaiko kwavakutyisawo iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi, havi dzose dzapera iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa. Tambo yesirivha isati yadambuka ndiro yendarama isati yapwanyika chirongo chisati chaputsika patsime. Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa. Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki ndozviri kutaura muparidzi zvose hazvinzwisisiki. Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete. Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri. Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose. Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa.

Muparidzi 12:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Rangarira Musiki wako pamazuva ouduku hwako, mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari,” zuva nechiedza uye nomwedzi nenyeredzi zvisati zvadzima, uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura; kana vatariri vemba vodedera, navarume vakasimba vokotama, kana vakuyi vorega nokuti vashoma, uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere; kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa uye maungira okukuya oderera; kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka; kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira nenjodzi mumigwagwa; kana muamanda wotumbuka nemhashu yozvikwekweredza uye kuda kwose kwapera. Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi, uye vanochema vachafamba-famba munzira. Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime, uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa. Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Zvose hazvina maturo!” Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji. Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi. Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete. Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri. Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri. Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.

Muparidzi 12:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura; zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamawindo vasvibirwa; mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nezwi rokukuya richidedera; kana achimuka nezwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka. Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha; rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu, guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa. Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!” Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi. Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa; akapiwa noMufudzi mumwechete. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri. Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”

Muparidzi 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Yeuka musiki wako uchiri muduku, mazuva akaipa asati asvika, mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;” zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi zvisati zvasviba makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura; pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya majaya akasimba okombama, vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima; makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa ruzha rwezvigayo rwavakuderera, munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga panguva yakunenge kuimba kwaderera, kukwira mukwidza kwavakutyisa kufamba chaiko kwavakutyisawo iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi, havi dzose dzapera iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa. Tambo yesirivha isati yadambuka ndiro yendarama isati yapwanyika chirongo chisati chaputsika patsime. Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa. Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki ndozviri kutaura muparidzi zvose hazvinzwisisiki. Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete. Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri. Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose. Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa.

Muparidzi 12:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako, mazuʋa akaipa asati aȿika, namakore asati aʋa’po, paŋguʋa yaucazoti: Handifariri iɀoɀo; zuʋa neciedza, nomŋedzi, nenyeredzi ɀisati ɀaȿiɓiswa, makore acidzoka kana mvura yapfuʋura; zuʋa iro, kana ʋatariri ʋeimba ʋaciɗeɗera, ʋarume ʋanesimba ʋacikotama, ʋakuyi ʋacirega ɓasa raʋo, nokuti ʋaʋa ʋashoma; naʋanotarira napamawindi ʋaȿiɓirwa; mikoʋa icizarirwa inoɓuɗira kunzira dzomumusha, nenzwi rokukuya riciɗerera; kana acimuka nenzwi reshiri, naʋaimbi ʋose ʋasiŋganzwiki ɀakanaka. Ɀirokwaɀo ʋacatya ɀakakwirira, neɀinotyisa ɀicanzi ɀiri panzira; muamanda ucatumbuka maruʋa, nemhashu icaɀikwekweredza, ʋuye kuɗa kwose kucapera; nokuti munhu unoenda kumusha wake usiŋgaperi, ʋacemi ʋacafamba‐famba panzira dzomumusha; rwonzi rwesirveri rusati rwaɗamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, ciroŋgo cisati caputswa patsime, necicereso cinomonerwa cisati cavunikira pacituɓu, guruʋa risati radzokera kuvu, seɀarakaŋga rakaita; ʋuye mŋeya usati wadzokera kunaMŋari wakaupa. Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo! Ɀino, Muparidzi ɀaakaŋga ari munhu wakacenjera, wakapfuʋura acidzidzisa ʋanhu ziʋo; wakaraŋgarira, nokunɀera, nokuroŋgedza ɀireʋo ɀizhinji. Muparidzi wakatȿaka kuti awane mashoko anofadza, ʋuye ɀakanyorwa nomŋoyo wakarurama, ari mashoko eɀokwaɗi. Mashoko aʋakacenjera akafanana neɀiɓayiso; sembambo dzakaroʋerwa kwaɀo, ndiɀo ɀakaita mashoko akaʋuŋganidzwa, akapiwa noMufudzi mumŋe cete. Ʋuye ɀe, mŋanakomana waŋgu, unyeʋerwe; kuita buku zhinji hakuperi, ʋuye kudzidza kuzhinji kunonetsa muʋiri. Ɀino shoko guru paɀose ɀatanzwa, heri: Itya Mŋari, uceŋgete mirairo yake; nokuti ndiɀo ɀakafanira ʋanhu ʋose. Nokuti Mŋari ucatoŋga ɓasa rimŋe nerimŋe, pamŋe cete neɀose ɀakaʋanzika, kunyaŋge ɀakanaka, kunyaŋge ɀakaipa.