Muparidzi 12
12
Madimikira okuchema kunoita munhu
1Yeuka musiki wako uchiri muduku,
mazuva akaipa asati asvika,
mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;”
2zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi
zvisati zvasviba
makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura;
3pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya
majaya akasimba okombama,
vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma
vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima;
4makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa
ruzha rwezvigayo rwavakuderera,
munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga
panguva yakunenge kuimba kwaderera,
5kukwira mukwidza kwavakutyisa
kufamba chaiko kwavakutyisawo
iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva
zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi,
havi dzose dzapera
iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi
vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa.
6Tambo yesirivha isati yadambuka
ndiro yendarama isati yapwanyika
chirongo chisati chaputsika patsime.
7Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri
mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa.
8Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki
ndozviri kutaura muparidzi
zvose hazvinzwisisiki.
Zvose muchidimbu
9Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. 10Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. 11Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete.
12Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri.
13Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose. 14Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.