Dhuteronomi 4
4
Mosesi anovaraira kuchengeta mirairo yaJehovha
1“Zvino imi vana vaIsiraeri, tererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 2Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai. 3Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu. 4Asi imi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
5“Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu. 6Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’
7“Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari? 8Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi? 9Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu; 10musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, ‘Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.’
11“Imi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru. 12Zvino Jehovha wakataura nemi ari mukati momoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa inzwi roga. 13Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe. 14Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
15“Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, nokuti hamuna kuona kuti wakanga akadini, musi Jehovha waakataura nemi paHorebhu ari pakati pomoto. 16Kuti murege kuzvishatsa, muchizviitira chifananidzo chakavezwa, chakafanana nechinhu chipi nechipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi, 17kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi ina mapapiro, inobhururuka mudenga, 18kana mufananidzo wechinhu chipi nechipi chinokambaira pasi, kana mufananidzo wehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika; 19kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsautswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu. 20Asi Jehovha wakakutorai imi, akakubudisai muchoto chamatare, paIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi. 21Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jorodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu. 22Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Jorodhani asi imi muchayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka. 23Muzvichenjerere, kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa chomufananidzo wechinhu chipi nechipi, chawakadziviswa naJehovha Mwari wako. 24Nokuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
25“Zvino kana iwe wabereka vana navazukuru, mukagara nguva huru panyika, mukazvishatsa, mukaita chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wechinhu chipi nechipi, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, mukamutsamwisa; 26ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Jorodhani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamungaitimo mazuva mazhinji, asi muchaparadzwa chose. 27Jehovha uchakuparadzirai pakati pendudzi, muchasara muri vashoma pakati pendudzi, kwamuchandoiswa naJehovha. 28Apo muchashumira vamwari, vakaitwa namaoko avanhu, vamatanda navamabwe, vasingaoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza. 29Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomwoyo wako wose nomweya wako wose. 30Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukaterera izwi rake. 31Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusiyi, kana kukuparadza, kana kukanganwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
32“Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai? 33Ko kuna vanhu, vakambonzwa izwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imi, vakararama here? 34Kana Mwari wakatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakona zvamakaitirwa zvose naJehovha paIjipiti here? 35Imi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuno mumwe kunze kwake. 36Wakakunzwisai izwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto. 37Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paIjipiti, iye anewe nesimba rake guru; 38kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi. 39Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuno mumwe. 40Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.”
Maguta outiziro kumabvazuva kwaJorodhani
41Zvino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJorodhani kumabvazuva; 42kuti muurayi agone kutizirako, iye wakauraya wokwake, asina kuita nobwoni, asina kumuvenga kare; kuti kana achinge atizira kune rimwe ramaguta iwayo, ararame; 43aiti: Bhezeri murenje, kunyika yamapani, wavaRubheni, neRamoti paGireadhi, wavaGadhi, neGorani paBhashani, wavaManase.
Mirairo ine gumi inopamhidzwa
44Zvino ndiwo murayiro wakaiswa naMosesi pamberi pavana vaIsiraeri. 45Ndizvo zvakapupurwa, zvakatemwa, nezvakatongwa, zvakataurwa naMosesi kuvana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti; 46vari kumabvazuva kwaJorodhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMosesi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti; 47vakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBhashani, ikava yavo; iwo madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva; 48kubva paAroeri, pamuuyo womupata weArinoni, kusvikira pagomo reSioni (ndiro Herimoni), 49noMupata wose uri mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kusvikira pagungwa romupata, pajinga pePisiga.
Zvasarudzwa nguva ino
Dhuteronomi 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002