1
Dhuteronomi 4:29
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Dhuteronomi 4:31
Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusiyi, kana kukuparadza, kana kukanganwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
3
Dhuteronomi 4:24
Nokuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
4
Dhuteronomi 4:9
Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu
5
Dhuteronomi 4:39
Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuno mumwe.
6
Dhuteronomi 4:7
“Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?
7
Dhuteronomi 4:30
Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukaterera izwi rake.
8
Dhuteronomi 4:2
Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo