Imi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuno mumwe kunze kwake. Wakakunzwisai izwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto. Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paIjipiti, iye anewe nesimba rake guru; kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi. Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuno mumwe. Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.”
Verenga chikamu Dhuteronomi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 4:35-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo