Dhuteronomi 4:35-40
Dhuteronomi 4:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake. Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto. Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake. Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi. Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake. Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.”
Dhuteronomi 4:35-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe. Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto. Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru, kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi. Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe. Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
Dhuteronomi 4:35-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuno mumwe kunze kwake. Wakakunzwisai izwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto. Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paIjipiti, iye anewe nesimba rake guru; kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi. Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuno mumwe. Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.”
Dhuteronomi 4:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake. Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto. Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake. Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi. Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake. Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.”
Dhuteronomi 4:35-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi makaratidzwa iɀoɀo, kuti muziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari; hakunomumŋe kunze kwake. Wakakunzwisai inzwi rake ari kuɗeŋga, kuti akudzidzise; panyika wakakuʋonesa mŋoto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momŋoto. Wakaɗa madziɓaɓa ako, naiɀoɀo akaɀitsaurira ʋana ʋaʋo ʋakaʋateʋera, akakuɓuɗisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru; kuti adziŋge pamberi pako ndudzi dzinokupfuʋura noʋukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yaʋo iʋe nhaka yako, seɀaakaita nhasi. Naiɀoɀo uziʋe nhasi, uɀiceŋgete mumŋoyo mako, kuti Jehova ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi; hakunomumŋe. Unofanira kuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kuti uwedzere mazuʋa ako panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako nokusiŋgaperi.