Zvino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGireadhi, kusvikira Dhani; neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva; nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari. Zvino Jehovha akati kwaari, “Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.’ ”
Ipapo Mosesi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha. Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi. Zvino Mosesi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera. Vana vaIsiraeri vakachema Mosesi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mosesi akapera. Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuterera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana; pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose; napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi vaIsiraeri vose vachizviona.