Dhuteronomi 34:1-12
Dhuteronomi 34:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani. Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira, Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.” Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha. Akamuviga muMoabhu, mumupata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake. Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera. VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera. Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso, uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose. Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.

Dhuteronomi 34:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGireadhi, kusvikira Dhani; neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva; nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari. Zvino Jehovha akati kwaari, “Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.’ ” Ipapo Mosesi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha. Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi. Zvino Mosesi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera. Vana vaIsiraeri vakachema Mosesi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mosesi akapera. Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuterera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha. Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana; pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose; napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi vaIsiraeri vose vachizviona.
Dhuteronomi 34:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akabva mumapani eMoabhu akaenda kumakomo eNebho akandokwira pamusoro peGomo rePisiga rakatarisana neJeriko. Tenzi ndokumuratidza nyika yose iyoyo kubvira kuGireadhi kusvikira kwaDhani, naNafutari yose nenyika yose yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha kusvikira kuGungwa rokumadokero nokuNegevhu, nebani reJeriko, guta remiti yemirara kudzamara kuZoari. Tenzi akamutaurira achiti, “Ndiyoyi nyika yandakatsidzira vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako. Ndati uione nameso ako, asi hausiri kuzoyambukirako.’ ” Naizvozvo Mosesi muranda waTenzi akafira ikoko munyika yeMoabhu sokureva kwaTenzi. Akamuviga mubani munyika yeMoabhu pakatarisana neBhetipeori. Asi hakuna anoziva nzvimbo yaakavigwa kusvikira nhasi uno. Mosesi akafa ava namakore zana namakumi maviri. Muviri wake wakanga uchakagwinya, maziso ake achinyatsoona zvakanaka. VaIsiraeri vakachema Mosesi kwamazuva makumi matatu mumapani eMoabhu kusvikira nguva yokuchema nhamo yorufu rwake yapera. Zvino Joshuwa mwanakomana waNuni aiva azere nomweya woungwaru nokuti Mosesi akanga aisa maoko ake pamusoro wake. VaIsiraeri vaimuteerera vachiita zvakanga zvataurirwa Mosesi naTenzi. Hakuna kana kuzomuka muporofita muIsiraeri akaita saMosesi aizivana naTenzi uso nouso, kana totarisa zviratidzo nezvishamiso zvakatumwa Mosesi naTenzi kundoita munyika yeIjipiti kuna Farao, nokumakurukota ake, nokunyika yake yose. Uye kana totarisawo masimba makuru aaiva nawo namabasa makuru anotyisa akaitwa naMosesi vaIsiraeri vose vachiona.
Dhuteronomi 34:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabi, akakwira kugomo reNebo, pamsoro pePisga, pakatarisana neJeriko. Jehova akamuratidza nyika yose yeGireadi, kuȿikira Dani; neNaftari yose, nenyika yaEfraimi naManase, nenyika yose yaJuda, kuȿikira paguŋgwa rokumaʋirazuʋa; nenyika yezasi, neƂani romupata weJeriko, guta remicindwe, kuȿikira Zoari. Ɀino Jehova akati kwaari: Ndiyo nyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti: Ndicaipa ʋana ʋako; ndikakuʋonesa iyo nameso ako, asi hauŋgapindi’mo. Ipapo Mosesi muranda waJehova akafira’po panyika yaMoabi, seɀakataurwa naJehova. Akamuʋiga pamupata panyika yaMoabi, pakatarisana neBeti‐peori; asi hapanomunhu unoziʋa rinda rake kuȿikira nhasi. Ɀino Mosesi wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri pakufa kwake; meso ake akaŋga acigere kuʋonera madzerere, nesimba rake rakaŋga ricigere kuɗerera. Ʋana ʋaIsraeri ʋakacema Mosesi pamapani okwaMoabi mazuʋa anamakumi matatu; naiɀoɀo mazuʋa aʋakacema pakucema Mosesi akapera. Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakaŋga azere nomŋeya wokucenjera; nokuti Mosesi wakaŋga aisa maʋoko ake pamsoro pake; ʋana ʋaIsraeri ʋakamuterera, ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova. Hakuna‐kuzomuka ɀe muprofita pakati paIsraeri wakafanana naMosesi, wakaŋga acizikanwa naJehova, ɀiso ɀakatarisana; paɀiratidzo ɀose neɀishamiso, paakatumŋa naJehova kundoɀiita panyika yeEgipita, kunaFarao, nokuʋaranda ʋake ʋose, nokunyika yake yose; napaɀose ɀakaitwa noruʋoko rwake runesimba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi ʋaIsraeri ʋose ʋaciɀiʋona.
Dhuteronomi 34:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)