Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?”
Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.”
Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake. Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanieri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna‐vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.