Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:16-24

Dhanieri 6:16-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!” Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:16-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza. Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake. Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanieri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna‐vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza. Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:16-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo mambo wakaraira, ʋakaʋuya naDanieri ʋakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, ucakurwira. Ibge rikaʋuyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa necindori cake ʋuye necindori camadzishe ake; kuti kurege kuʋa necinhu cimŋe pamsoro paDanieri ciŋgashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza. Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake. Ipapo mambo akaraira, ʋakaʋuya naʋaya ʋanhu ʋakaŋga ʋapomera Danieri, ʋakaʋawisira mugomba reshumba, iʋo, naʋana ʋaʋo, naʋakadzi ʋaʋo; shumba dzikaʋakunda, dzikavuna‐vuna mafupa aʋo, ʋacigere kuȿika pasi mugomba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)