Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 3:8-15

VaKorose 3:8-15 SNA2002

Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika; apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose. Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.

Verenga chikamu VaKorose 3