VaKorose 3:8-15
VaKorose 3:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.
VaKorose 3:8-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika; apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose. Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.
VaKorose 3:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo. Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose. Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu, nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana. Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko. Rugare rwaKristu ngarwutonge mumwoyo menyu. Ndizvo chaizvo zvamakadaidzirwa kuti muve mumuviri mumwechete muchitenda.
VaKorose 3:8-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake, mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika; apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose. Naiɀoɀo, saʋasanaŋgurwa ʋaMŋari, ʋatȿene naʋanoɗikanwa, fukai mŋoyo unetsitsi, nomŋoyo munyoro, nokusaɀikudza, noʋunyoro, nomŋoyo murefu; muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo. Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa. norugare rwaKristu ŋgaruteme ɀireʋo mumŋoyo yenyu, ndirwo rwamakaɗanirwa ʋo mumuʋiri mumŋe; iʋai nokuʋoŋga.
VaKorose 3:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)