Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake, mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika; apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose.
Naiɀoɀo, saʋasanaŋgurwa ʋaMŋari, ʋatȿene naʋanoɗikanwa, fukai mŋoyo unetsitsi, nomŋoyo munyoro, nokusaɀikudza, noʋunyoro, nomŋoyo murefu; muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo. Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa. norugare rwaKristu ŋgaruteme ɀireʋo mumŋoyo yenyu, ndirwo rwamakaɗanirwa ʋo mumuʋiri mumŋe; iʋai nokuʋoŋga.