Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri. Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
Verenga chikamu VaKorose 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaKorose 2:8-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo