VaKorose 2:8-15
VaKorose 2:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu, makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose, akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa. Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
VaKorose 2:8-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri. Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
VaKorose 2:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru. Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri.
VaKorose 2:8-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjerai, kuti murege kutapxa nomunhu noʋucenjeri, nokunyeŋgera kusinamaturo, aciteʋera tsika dzaʋanhu neɀokuʋamba ɀenyika, asiŋgateʋeri Kristu. Nokuti kuzara kwoʋuMŋari kunogara maari pamuʋiri. Maari nemi ʋo makazadzwa, iye musoro waʋaɓati ʋose namasimba; iye wamakadziŋgiswa ʋo maari nokudziŋgiswa kusiŋgaitwi namaʋoko, muʋiri wenyama ucibviswa, nokudziŋgiswa kuri kwaKristu; makaʋigwa pamŋe cete naye pakubapatidzwa, pamakamutswa ʋo pamŋe cete naye nokutenda kwenyu simba raMŋari wakamumutsa kuʋakafa. Nemi, imi makaŋga makafa pakuɗarika kwenyu napakusadziŋgiswa kwenyama yenyu, wakakupai ʋupenyu pamŋe cete naye, akatikaŋganwira kuɗarika kweɗu kwose, akadzima rugwaro rwakaŋga rucirwa nesu paɀireʋo ɀarwo, rucipesana nesu; akarubvisa irwo pakati peɗu, akaruroʋera pamucinjikwa; akaparadza ʋaɓati namasimba, akaʋaɓuɗisa pacena, akaʋakunda mauri.
VaKorose 2:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)