Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi, kana muchingorambira pakutenda makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeVhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Vhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano; iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari; ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake; kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya; iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu; ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.