VaKorose 1:19-29
VaKorose 1:19-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa. Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa. Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro. Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu. Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.
VaKorose 1:19-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga. Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi, kana muchingorambira pakutenda makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeVhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Vhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro. Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano; iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari; ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake; kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya; iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu; ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.
VaKorose 1:19-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga. Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata, akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe. Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro. Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano. Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere. Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake. Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri. Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu. Izvozvi ndizvo zvandakashingairira ndikatamburira nesimba rake rose rinoshanda mandiri zvakanyanya kwazvo.
VaKorose 1:19-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga. Nemi ʋo, kare maiʋa ʋaeni naʋaʋeŋgi pakufuŋga kwenyu pamaɓasa enyu akaipa, asi ɀino wakakuyananisai pamuʋiri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri ʋatȿene, musinemhoȿa, musiŋgapomerwi, kana muciŋgorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musiŋgabviswi patariro yeEvaŋgeri yamakanzwa, yakaparidzirwa ɀisikwa ɀose pasi pokuɗeŋga; iyo Eʋaŋgeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro. Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke; iyo yandakaitwa mushumiri wayo seɀandakagoʋerwa naMŋari pamsoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMŋari; ndico cakaʋanzika, cakaŋga cakafukidzwa kubvira pakutaŋga kweŋguʋa nendudzi, asi ɀino cakaratidzwa ʋatȿene ʋake; kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya; iye watinoparidza isu, ticiraira munhu mumŋe nomumŋe, ticidzidzisa munhu mumŋe nomumŋe noʋucenjeri bgose, kuti tiise munhu mumŋe nomumŋe akakwana munaKristu; ndiɀo ɀandinoɓatira ʋo, ndicirwa, ɀiciitwa nokuɓata kwake kunoɓata mukati maŋgu nesimba.
VaKorose 1:19-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)