Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa.
Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”
Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu. Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko. Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu.
Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!”
Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera; naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.”
Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.”
Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri; nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.”
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.”
Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; akadya zvokudya, ndokusimbiswa.
Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva. Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.