Mabasa 8
8
Vadzidzi vanoparadzirwa namadambudziko
1Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi. 2Varume vakarurama vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.
3Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.
Firipi anoparidza muSamaria
4Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. 5NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. 6Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. 7Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. 8Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.
Simoni n'anga
9Zvino kwakanga kuno mumwe murume, ainzi Simoni, aiva n'anga kare paguta iro, aishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. 10Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti, “Uyu munhu isimba guru raMwari.” 11Vakamuteerera, nokuti akanga avashamisa noun'anga hwake nguva huru. 12Zvino vakati vatenda Firipi, aiparidza mashoko oushe hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. 13Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa.
14Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari.
15Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; 16nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. 17Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene.
18Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari, 19achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.”
20Zvino Petirosi akati kwaari, “Sirivha yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. 21Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kuna Ishe, kuti zvimwe uregererwe marangariro omwoyo wako.
23“Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.”
24Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.”
25Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
Firipi nomuranda waKandase
26Zvino mutumwa waIshe akataura naFiripi, akati, “Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusaremu ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.” 27Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; 28akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. 29Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.” 30Firipi akamhanyirako, akumunzwa achirava muporofita Isaya, akati, “Unonzwisisa zvaunorava here?”
31Iye akati, “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Akakumbira zvikuru kuna Firipi kuti akwire, agare naye. 32Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti,
“Akaiswa pakubayiwa segwai;
Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro,
Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
33Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa;
Ndianiko acharondedzera rudzi rwake?
Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.”
34Muranda akapindura Firipi, akati, “Ndinokumbira kwauri, undiudze kuti muporofita anoreva aniko achidaro? Anozvireva iye amene, kana mumwe?”
35Ipapo Firipi akashamisa muromo wake, akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu. 36Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ 37Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”]
38Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. 39Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. 40Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002