Mupristi mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’ Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino. Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvaonesa nhamo makore ana mazana mana. Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. Akamupa sungano yedzingiso. Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere; Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka matateguru ane gumi namaviri.
“Matateguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Zvino Jakobho, akati anzwa kuti kuIjipiti kune zviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; vakaiswa Ishekemu vakavigwa pabwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu.