Mabasa 7:1-16
Mabasa 7:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?” Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’ “Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino. Haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana. Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’ Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri. “Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose. “Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga. Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa. Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye. Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu. Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
Mabasa 7:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mupristi mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’ Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino. Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvaonesa nhamo makore ana mazana mana. Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. Akamupa sungano yedzingiso. Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere; Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka matateguru ane gumi namaviri. “Matateguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Zvino Jakobho, akati anzwa kuti kuIjipiti kune zviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; vakaiswa Ishekemu vakavigwa pabwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu.
Mabasa 7:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri. “Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye. Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose. Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya. Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga. Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao. Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu. Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa. Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.
Mabasa 7:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai? Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani, akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino. Asi haana‐kumupa nhaka imomo, kunyaŋge paaŋgatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti ucamupa iyo, iʋe yake neyaʋana ʋake ʋaizomuteʋera, asati atoŋgoʋa nomŋana. Mŋari akataura, aciti, ʋana ʋake ʋacaʋa ʋatorwa kunyika yaʋamŋe; ʋacaʋaita ʋaranda, nokuʋaʋonesa nhamo makore anamazana manna. Rudzi rwaʋacaʋa ʋaranda ʋarwo, ndicarutoŋgesa, ndiɀo ɀinoreʋa Mŋari; shure kwaiɀoɀo ʋacaɓuɗa, ʋacandishumira panɀimbo iyi. Akamupa suŋgano yedziŋgiso. Ɀino Abrahama akaɓereka Isaka, akamudziŋgisa nezuʋa rorusere; Isaka akaɓereka Jakobo; naJakobo akaɓereka mateteguru anegumi namaʋiri. Mateteguru ɀaakaŋga acigoɗora Josefa, ʋakamuteŋgesa, akaiswa Egipita; Mŋari akaʋa naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamuɓatsira kuti aɗikanwe naFarao, mambo weEgipita, aʋe nokucenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weEgipita noweimba yake yose. Ɀino nzara ikaȿika paEgipita yose neKanani, nenhamo huru; madziɓaɓa eɗu akashaiwa ɀokudya. Ɀino Jakobo, wakati anzwa kuti Egipita kuneɀiyo, pakutaŋga akatuma madziɓaɓa eɗu. Parwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao. Ɀino Josefa akaʋatuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu. Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu; ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.
Mabasa 7:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)