Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai? Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani, akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino. Asi haana‐kumupa nhaka imomo, kunyaŋge paaŋgatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti ucamupa iyo, iʋe yake neyaʋana ʋake ʋaizomuteʋera, asati atoŋgoʋa nomŋana. Mŋari akataura, aciti, ʋana ʋake ʋacaʋa ʋatorwa kunyika yaʋamŋe; ʋacaʋaita ʋaranda, nokuʋaʋonesa nhamo makore anamazana manna. Rudzi rwaʋacaʋa ʋaranda ʋarwo, ndicarutoŋgesa, ndiɀo ɀinoreʋa Mŋari; shure kwaiɀoɀo ʋacaɓuɗa, ʋacandishumira panɀimbo iyi. Akamupa suŋgano yedziŋgiso. Ɀino Abrahama akaɓereka Isaka, akamudziŋgisa nezuʋa rorusere; Isaka akaɓereka Jakobo; naJakobo akaɓereka mateteguru anegumi namaʋiri. Mateteguru ɀaakaŋga acigoɗora Josefa, ʋakamuteŋgesa, akaiswa Egipita; Mŋari akaʋa naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamuɓatsira kuti aɗikanwe naFarao, mambo weEgipita, aʋe nokucenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weEgipita noweimba yake yose. Ɀino nzara ikaȿika paEgipita yose neKanani, nenhamo huru; madziɓaɓa eɗu akashaiwa ɀokudya. Ɀino Jakobo, wakati anzwa kuti Egipita kuneɀiyo, pakutaŋga akatuma madziɓaɓa eɗu. Parwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao. Ɀino Josefa akaʋatuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu. Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu; ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.