Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21:1-36

Mabasa 21:1-36 SNA2002

Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rodhe; tikabvapo, tikasvika Patara. Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Fonikia, tikapinda mukati macho, tikaenda. Takati taona Saipurasi, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo; zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kuna Pauro kuti arege kukwira Jerusaremu. Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera. Tikaonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo. Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo. Fume mangwana tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muvhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye. Iye akanga ana vakunda vana, mhandara, vaiporofita. Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, ainzi Akabho, akaburuka achibva Judhea, akauya kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo namaoko ake, akati, “Mweya Mutsvene anoreva kudai, saizvozvo vaJudha paJerusaremu vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nokumuisa pamaoko avahedheni.” Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusaremu. Ipapo Pauro akapindura, akati, “Munoiteiko, muchichema nokuputsa mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raIshe Jesu paJerusaremu.” Zvino akati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati, “Kuda kwaIshe ngakuitwe.” Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye. Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro. Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika. Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri, tina varume vana vakazvisunga nokupika; uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene. Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera, tichiti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro. Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuona mutemberi, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata, vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.” Nokuti vakanga vaona Tirofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro apinda naye mutemberi. Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo. Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechiuru chamazana, kuti Jerusaremu rose ranyonganiswa. Iye akatora pakarepo varwi vakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechiuru chamazana navarwi, vakarega kurova Pauro. “Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.” Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akarayira kuti vamuise kuimba yavarwi. Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi; nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti, “Mubvise!”

Verenga chikamu Mabasa 21