Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi.
Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku. Kwakanga kune mwenje mizhinji muimba yokumusoro, matakanga taungana.
Zvino pawindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa. Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.” Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
Asi isu takatungamirira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti akanga arayira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo. Tikati tasangana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene; tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fumwe mangwana tikapfuura napaSamo; fumwe mangwanazve tikasvika Mireto. Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.
Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke. Vakati vasvika kwaari, akati kwavari, “Imimunoziva mugariro wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia; ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha; kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose; ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendeukire kuna Mwari, nokutenda kuna Ishe wedu Jesu.
“Zvino tarirai, ndinoenda Jerusaremu, ndasungwa mweya wangu, ndisingazivi zvichandiwira ikoko; asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira. Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa nalshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari. Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose. Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari. Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo naMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
“Ini ndinoziva kuti kana ndaenda, mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka. Uye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere. Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega usiku namasikati kurayira mumwe nomumwe nemisodzi.
“Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose. Handina kuchochora sirivha, kana ndarama, kana nguo dzomunhu mumwe. Munoziva imi mumene, kuti maoko awa akabatsira kushayiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo. Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ’Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ”
Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose. Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda, vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.