Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:4-38

Mabasa 20:4-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikikasi naTirofimasi vaibva mudunhu reEzhia. Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi. Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe. Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku. Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana. Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa. Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!” Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake. Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru. Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka. Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene. Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMiretasi. Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti. Pauro ari paMiretasi, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke. Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia. Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu. “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira. Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve. Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose. Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari. Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake. Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka. Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere. Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi. “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene. Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu. Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo. Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ” Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 20

Mabasa 20:4-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi. Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe. Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku. Kwakanga kune mwenje mizhinji muimba yokumusoro, matakanga taungana. Zvino pawindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa. Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.” Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda. Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo. Asi isu takatungamirira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti akanga arayira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo. Tikati tasangana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene; tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fumwe mangwana tikapfuura napaSamo; fumwe mangwanazve tikasvika Mireto. Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi. Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke. Vakati vasvika kwaari, akati kwavari, “Imimunoziva mugariro wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia; ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha; kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose; ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendeukire kuna Mwari, nokutenda kuna Ishe wedu Jesu. “Zvino tarirai, ndinoenda Jerusaremu, ndasungwa mweya wangu, ndisingazivi zvichandiwira ikoko; asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira. Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa nalshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari. Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose. Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari. Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo naMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake. “Ini ndinoziva kuti kana ndaenda, mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka. Uye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere. Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega usiku namasikati kurayira mumwe nomumwe nemisodzi. “Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose. Handina kuchochora sirivha, kana ndarama, kana nguo dzomunhu mumwe. Munoziva imi mumene, kuti maoko awa akabatsira kushayiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo. Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ’Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ” Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose. Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda, vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 20

Mabasa 20:4-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi. Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi. Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe. Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku. Makanga muine mwenje yakawanda muimba yapamusoro matakanga takaungana. Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa. Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru. Takafanotungamira kuchikepe tikazosimuka nechikepe tichienda kuAsosi tichida kuzotora Pauro muchikepe ikoko, nokuti ndizvo zvaakanga aronga, iye achida kuenda netsoka. Paakasangana nesu kuAsosi, takamukwidza muchikepe tikaenda kuNitirene. Takabvapo nechikepe. Mangwana acho takasvika pakatarisana neKiosi. Ramangwana acho takapfuura napaSamosi. Ramangwanawo tikasvika kuMiretusi nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti. Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano. Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia, ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha. Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko, kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira; asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari. Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare. Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari. Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake. Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga. Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama. Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene. Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu. Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo. Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ” Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 20

Mabasa 20:4-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akaperekedzwa naSopatro weBerea, mŋanakomana waPiro; naAristarko naSekundo ʋeTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; ʋuye Tikiko naTrofimo ʋeAsia. Iʋo ʋakatuŋgamira, ʋakatimirira paTroa. Isu tikabva Firipi necikepe mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso apfuʋura; tikasika kwaʋari paTroa namazuʋa mashanu; tikagara’po mazuʋa manomŋe. Ɀino nomusi wokutaŋga weviki, takaʋuŋgana kuti timeɗure ciŋgwa, Pauro akataurirana naʋo, aciɗa kuenda maŋgwana; akaramba aciparidza shoko kuȿikira pakati poʋusiku. Kwakaŋga kunemŋenje mizhinji muimba yokumsoro, matakaŋga taʋuŋgana. Ɀino pawindi pakaŋga pagere rimŋe jaya, rainzi Yutiko, rikaɓatwa nehope kwaɀo; ɀino Pauro, wakati aciŋgoramba aciparidza, iye akaɓatwa nehope, akawira pasi, acibva paimba yecitatu yokumsoro, akasimudzwa afa. Ipapo Pauro akaɓuruka, akaɀiwisira pamsoro pake, akamufuŋgatira, akati: Musaita ɓopoto, nokuti mŋeya wake uciri maari. Akakwira, akameɗura ciŋgwa, akadya, akataura naʋo ŋguʋa refu kuȿikira kuciedza, ndokuenda. Ʋakaʋuya nomukomana ari mupenyu, ʋakanyaradzwa kwaɀo. Asi isu takatuŋgamirira kucikepe, tikaenda Aso, ticiɗa kutora Pauro ipapo, nokuti wakaŋga araira saiɀoɀo, iye aciɗa kufamba namakumbo. Takati tasoŋgana naye paAso, tikamutora, tikandoȿika Mitirene; tikabva ipapo necikepe, fume maŋgwana tikaȿika pakatarisana neKiyo; fume maŋgwana tikapfuʋura napaSamo; fume maŋgwana ɀe tikaȿika Mireto. Nokuti Pauro wakaŋga ati: Ndicapfuʋura Efeso necikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakaŋga acikurumidza kuti kana aiɀigona aʋe Jerusarema nezuʋa rePentekosta. Ɀino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundoɗana ʋakuru ʋekereke. Ʋakati ʋaȿika kwaari, akati kwaʋari: Imi munoziʋa mugarire waŋgu pakati penyu ŋguʋa dzose, kubva pazuʋa rokutaŋga randakaȿika naro paAsia; ndiciɓatira Ishe nokuɀininipisa ɀikuru, nemisodzi, namaɗambudziko akandiwira neraŋgano dzakaipa dzaʋaJuda; kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose; ndicipupurira kwaɀo ʋaJuda naʋaGiriki, kuti ʋatendeʋukire kunaMŋari, nokutenda kunaShe weɗu Jesu. Ɀino tarirai, ndinoenda Jerusarema, ndasuŋgwa mŋeya waŋgu, ndisiŋgaziʋi ɀicandiwira ikoko; asi kuti Mŋeya Mutȿene unondipupurira kwaɀo muguta rimŋe nerimŋe, kuti kusuŋgwa nenhamo ɀakandigarira. Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari. Ɀino tarirai, ndinoziʋa kuti imi mose, ʋandakafamba pakati penyu, ndiciparidza ʋushe bgaMŋari, hamucazoʋoni ciso caŋgu. Naiɀoɀo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakacena paropa raʋanhu ʋose. Nokuti handina‐kutya kukuparidzirai kuɗa kwose kwaMŋari. Ɀicenjerei imi, neɓoka rose ramakaitirwa ʋatariri ʋaro noMŋeya Mutȿene, kuti mufudze kereke yaMŋari, yaakateŋga neropa rake. Ini ndinoziʋa kuti kana ndaenda, mapere anoparadza acapinda pakati penyu, asiŋgaregi ɓoka. Ʋuye, napakati penyu pamene pacamuka ʋarume, ʋacataura ɀinopesanisa, kuti ʋatsause ʋadzidzi ʋaʋateʋere. Naiɀoɀo rindai, muraŋgarire kuti makore matatu handina‐kurega ʋusiku namasikati kuraira mumŋe nomumŋe nemisodzi. Ɀino ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuʋakisai, nokukupai nhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene ʋose. Handinakucocora sirveri, kana ndarama, kana ŋguʋo dzomunhu mumŋe. Munoziʋa imi mumene, kuti maʋoko awa akaɓatira kushaiwa kwaŋgu nokwaʋanhu ʋandaiʋa naʋo. Paɀinhu ɀose ndakakuratidzai, kuti muciɓata muciɗai, munofanira kuɓatsira ʋasinesimba, nokuraŋgarira mashoko aShe Jesu, seɀaakataura amene aciti: Kupa kunomufaro caiwo kupfuʋura kugamucira. Wakati ataura iɀoɀo, akafugama, akanyeŋgetera naʋo ʋose. Ʋakacema ɀikuru ʋose; ʋakawira pamutsipa waPauro, ʋakawonekana naye nokumuȿeta, ʋaneshuŋgu kwaɀo neshoko raakataura rokuti haʋacazoʋoni ciso cake. Ipapo ʋakamuperekedzera kucikepe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 20

Mabasa 20:4-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)