“Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
“Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’
“Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti,
‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare;
Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu,
basa ramucharamba kutongotenda,
kana muchizviudzwa nomunhu.’ ”