Mabasa 13:26-41
Mabasa 13:26-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. “Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’ “Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti, ‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ”
Mabasa 13:26-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu. “Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’ Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’ Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’ Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti: ‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ”
Mabasa 13:26-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri. Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe. Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye. Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu. “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari, akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’ Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’ Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’ “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora. “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi. Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti: “ ‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”
Mabasa 13:26-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu. “Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’ Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’ Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’ Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti: ‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ”
Mabasa 13:26-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarume, hama, ʋana ʋorudzi rwaAbrahama, naʋari pakati penyu ʋanotya Mŋari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu. Nokuti ʋaigara Jerusarema naʋaɓati ʋaʋo, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgamuziʋi iye, kana manzwi aʋaprofita, anorabga saɓata rimŋe nerimŋe, ʋakaazadzisa pakumupa mhaka kwaʋo. Kunyaŋge ʋasina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari, ʋakakumbira kunaPirato kuti aʋurawe. Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀakanyorwa pamsoro pake, ʋakamuturura pamuti, ʋakamuʋiga mubgiro. Asi Mŋari wakamumutsa kuʋakafa; akaʋonekwa mazuʋa mazhinji naʋakaŋga ʋakwira naye Jerusarema, ʋacibva Garirea, aʋo ʋari ɀapupu ɀake ɀino kuʋanhu. Isu tinokuparidzirai cipikirwa cakaitirwa madziɓaɓa eɗu. Kuti Mŋari wakaciita kuʋana ʋeɗu, acimutsa Jesu; seɀakanyorwa ʋo paPisarema recipiri, panoti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, nhasi ndakakuɓereka. Ʋuye kuratidza kuti wakamumutsa kuʋakafa, kuti arege kuzodzokera ɀe kukuʋora, wakareʋa kuɗai: Ndicakupai mikomborero mitȿene inotendwa yaDavidi. Nokuti unoreʋa panerimŋe Pisarema, aciti: Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Nokuti Davidi wakati aita kuɗa kwaMŋari parudzi rwake, akaʋata rufu, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake, akaʋona kuʋora. Asi uyu, wakamutswa naMŋari haanakuʋora. Naiɀoɀo ʋarume, hama, muziʋe imi, kuti kaŋganwiro yeɀiʋi noyuyu inokuparidzirwai imi. Noyuyu, mumŋe nomumŋe unotenda, unoruramiswa paɀose, ɀamakaŋga musiŋgagoni kururamiswa paɀiri nomurairo waMosesi. Naiɀoɀo cenjerai, kuti murege kuwirwa neɀakarebga naʋaprofita, ɀinoti: Tarirai, imi ʋaɀidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, Ƃasa ramucaramba kutoŋgotenda, kana muciɀiʋudzwa nomunhu.