Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:9-23

Mabasa 10:9-23 SNA2002

Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedyo neguta, Petirosi akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu. Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira, akabatwa mweya; akaona denga razarurwa nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina. Maiva nemhuka dzose dzina makumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. Izwi rikauya kwaari, richiti, “Simuka Petirosi, baya, udye.” Asi Petiro akati, “Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chine tsvina.” Ipapo izwi rikauyazve kwaari rwechipiri, richiti, “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.” Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga. Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKonerio, vamira pasuo vachibvunza imba yaSimoni; vakadana, vakabvunza kana Simoni, anonzi Petirosi, agerepo. Zvino Petirosi, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari, “Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndavatuma.” Ipapo Petirosi akaburukira kuvarume avo, akati kwavari, “Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramauyira ndereiko?” Vakati, “Konerio, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.” Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.

Verenga chikamu Mabasa 10