Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:9-23

Mabasa 10:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.” Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.” Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.” Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga. Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pane varume vatatu vari kukutsvaka. Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.” Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?” Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.” Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 10

Mabasa 10:9-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedyo neguta, Petirosi akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu. Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira, akabatwa mweya; akaona denga razarurwa nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina. Maiva nemhuka dzose dzina makumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. Izwi rikauya kwaari, richiti, “Simuka Petirosi, baya, udye.” Asi Petiro akati, “Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chine tsvina.” Ipapo izwi rikauyazve kwaari rwechipiri, richiti, “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.” Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga. Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKonerio, vamira pasuo vachibvunza imba yaSimoni; vakadana, vakabvunza kana Simoni, anonzi Petirosi, agerepo. Zvino Petirosi, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari, “Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndavatuma.” Ipapo Petirosi akaburukira kuvarume avo, akati kwavari, “Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramauyira ndereiko?” Vakati, “Konerio, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.” Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 10

Mabasa 10:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ramangwana acho pavakanga vari parwendo rwavo vava kusvika pedyo neguta, Pita akakwira pamusoro pemba kundonamata masikati makuru. Akanzwa nzara akada zvokudya. Asi pavakanga vachiri kugadzira zvokudya, akava mumweya. Akaona denga richizaruka chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru richiburutswa pasi richiita serakabatwa namakona aro mana. Mariri makanga mune mhuka dzakasiyana–siyana nezvipuka zvinoita zvokuzvova napasi neshiri dzedenga. Kwakauya izwi kwaari richiti, “Pita simuka uuraye udye.” Asi Pita akati, “Kwete Tenzi nokuti handisati ndambodya zvinhu zvose zvose kana zvakan'ora.” Izwi rakauyazve kechipiri kwaari richiti, “Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.” Izvi zvakaitika katatu chinhu chacho chikabva chatorwa pakarepo chikaendeswa kudenga. Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni. Vakadaidzira kuti vabvunze kuti Simoni anonzi Pita ari kugarapo here. Pita paakanga achifungisisa nezvechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Chinzwa varume vatatu vari kukutsvaka. Simuka udzike uende navo pasina zvokukahadzika nokuti ndini ndavatuma.” Pita akadzikawo kwaiva navarume vaya akati, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingei?” Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.” Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 10

Mabasa 10:9-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino fume maŋgwana ʋaciri parwendo, ʋaʋa pedyo neguta, Petro akakwira pamsoro peimba kundonyeŋgetera neŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Akaziya kwaɀo, akaɗa kudya; ɀino ʋakati ʋacagadzira, akaɓatwa mŋeya; akaʋona ɗeŋga razarurwa, necimŋe cinhu ciciɓuruka somuceka mukuru unoɓurusirwa pasi wakasuŋgwa miromo minna. Maiʋa nemhuka dzose dzinamakumbo manna neɀinokambaira ɀenyika, neshiri dzeɗeŋga. Inzwi rikaʋuya kwaari, riciti: Simuka Petro, ɓaya, udye. Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina‐kutoŋgodya cinhu cisakanaka, cinetȿina. Ipapo inzwi rikaʋuya ɀe kwaari rwecipiri, riciti: Cakanatswa naMŋari, usati, cinetȿina iwe. Iɀoɀo ɀikaitwa katatu, cinhu cikakwidzwa pakarepo kuɗeŋga. Ɀino Petro wakati acakaŋganiswa mumŋoyo make, kuti ciratidzo caakaŋga aʋona caireʋei, tarira ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naKornerio, ʋamira pasuʋo ʋacibvunza imba yaSimoni; ʋakaɗana, ʋakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agere’po. Ɀino Petro, acafuŋga ciratidzo, Mŋeya akati kwaari: Tarira, ʋarume ʋatatu ʋanokutȿaka. Ɀino simuka, uɓuruke, uende naʋo, usiŋganyunyuti, nokuti ndini ndaʋatuma. Ipapo Petro akaɓurukira kuʋarume aʋo, akati kwaʋari: Tarirai, ndini wamunotȿaka; shoko ramaʋuyira ndereiko? Ʋakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mŋari, unorumbidzwa norudzi rwose rwaʋaJuda, wakarairwa naMŋari nomutumŋa mutȿene, kuti akuɗanei kuzoʋuya mumba make, kuti anzwe mashoko kwamuri. Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po. Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 10

Mabasa 10:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)