Ɀino fume maŋgwana ʋaciri parwendo, ʋaʋa pedyo neguta, Petro akakwira pamsoro peimba kundonyeŋgetera neŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Akaziya kwaɀo, akaɗa kudya; ɀino ʋakati ʋacagadzira, akaɓatwa mŋeya; akaʋona ɗeŋga razarurwa, necimŋe cinhu ciciɓuruka somuceka mukuru unoɓurusirwa pasi wakasuŋgwa miromo minna. Maiʋa nemhuka dzose dzinamakumbo manna neɀinokambaira ɀenyika, neshiri dzeɗeŋga. Inzwi rikaʋuya kwaari, riciti: Simuka Petro, ɓaya, udye. Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina‐kutoŋgodya cinhu cisakanaka, cinetȿina. Ipapo inzwi rikaʋuya ɀe kwaari rwecipiri, riciti: Cakanatswa naMŋari, usati, cinetȿina iwe. Iɀoɀo ɀikaitwa katatu, cinhu cikakwidzwa pakarepo kuɗeŋga.
Ɀino Petro wakati acakaŋganiswa mumŋoyo make, kuti ciratidzo caakaŋga aʋona caireʋei, tarira ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naKornerio, ʋamira pasuʋo ʋacibvunza imba yaSimoni; ʋakaɗana, ʋakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agere’po. Ɀino Petro, acafuŋga ciratidzo, Mŋeya akati kwaari: Tarira, ʋarume ʋatatu ʋanokutȿaka. Ɀino simuka, uɓuruke, uende naʋo, usiŋganyunyuti, nokuti ndini ndaʋatuma. Ipapo Petro akaɓurukira kuʋarume aʋo, akati kwaʋari: Tarirai, ndini wamunotȿaka; shoko ramaʋuyira ndereiko? Ʋakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mŋari, unorumbidzwa norudzi rwose rwaʋaJuda, wakarairwa naMŋari nomutumŋa mutȿene, kuti akuɗanei kuzoʋuya mumba make, kuti anzwe mashoko kwamuri. Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po.
Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.