nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu; hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere. Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene. Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama.
Verenga chikamu 2 VaTesaronika 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaTesaronika 3:7-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo