2 VaTesaronika 3:7-15
2 VaTesaronika 3:7-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.
2 VaTesaronika 3:7-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu; hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere. Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene. Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama.

2 VaTesaronika 3:7-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi. Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza. Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere. Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya. Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita. Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo. Hama dzangu musanete mukuita zvakanaka. Kana pane anoramba kuteerera zvatiri kutaura mutsamba ino nyatsomuzivai murege kuva nechii chamunoita naye kuti anyare. Musamutore semhandu asi muyambirei sehama.
2 VaTesaronika 3:7-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene. Asi imi, hama dzaŋgu, musaneta pakuita ɀakanaka. Kana panomunhu usiŋgatereri shoko reɗu reŋwadi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuidza muʋeŋgi, asi mumuraire sehama.
2 VaTesaronika 3:7-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)