Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II ƲaTesaronika 3:7-15

II ƲaTesaronika 3:7-15 SUB1949

nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene. Asi imi, hama dzaŋgu, musaneta pakuita ɀakanaka. Kana panomunhu usiŋgatereri shoko reɗu reŋwadi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuidza muʋeŋgi, asi mumuraire sehama.