Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve‐zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, “Mwana wafa here?” Ivo vakati, “Wafa.”
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya. Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.”
Iye akati, “Mwana achiri mupenyu ndakazvinyima zvokudya, ndikachema, nokuti ndakati, ‘Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?’
“Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.” Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha. Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.