Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri. Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva; muchiti, mwoyo murefu waIshe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyoreraiwo nokuchenjera kwaakapiwa; sezvaanotaura mumatsamba ake ose pamusoro pezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa. Naizvozvo imi vadikanwi, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muve pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi. Ameni.
Verenga chikamu 2 Petirosi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Petirosi 3:13-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo